Luke 14

Jesu pamusha womuFarisi

1Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achicherechedzwa kwazvo paakanga aenda kundodya mumba momumwe muFarisi akanga achikudzwa kwazvo. 2Pamberi pake ipapo pakanga pane munhu akanga ane chirwere chorukandwe. 3Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?” 4Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende.

5Ipapo akavabvunza akati, “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana, kana mombe yake ikawira mutsime nomusi weSabata, angarega kuibudisa pakarepo?” 6Ipapo vakashayiwa chokureva.

7Akati achiona kuti vakakokwa vaisarudza sei zvigaro zvapamberi patafura, akavaudza mufananidzo uyu akati kwavari, 8“Kana mumwe akakukoka kumuchato, usazvisarudzira nzvimbo yapamberi, nokuti mumwe munhu anokudzwa kupfuura iwe angadaro akakokwa. 9Kana zvakadaro, munhu akakukokai imi vaviri achauya agoti kwauri, ‘Ibva ipapo iwe, munhu uyu agare.’ Ipapo, nenyadzi, uchatora chigaro cheshure chokupedzisira. 10Asi kana wakokwa, utore chigaro cheshure, kuitira kuti kana akukoka ouya, azoti kwauri, ‘Shamwari, simuka uende kundogara panzvimbo iri nani.’ Ipapo ucharemekedzwa pamberi pavose vawakakokwa pamwe chete navo. 11Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”

12Ipapo Jesu akati kuna iye akanga amukoka, “Kana wagadzira kudya kwamasikati kana chirariro, urege kukoka shamwari dzako, vanunʼuna vako kana hama dzako, kana vapfumi vawakavakidzana navo; kana ukadaro vangazokukokawo uye ukabva waripirwa. 13Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu, 14ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”

Mufananidzo waMabiko Makuru

15Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.”

16Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru akakoka vanhu vazhinji. 17Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’

18“Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’

19“Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbondodziedza. Ndapota ndiregererei.’

20“Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’

21“Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta unouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina.’

22“Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’

23“Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare. 24Ndinoti kwamuri, hakuna kana mumwe chete wavaya vakanga vakokwa acharavira mabiko angu.’ ”

Mutengo wokuva Mudzidzi

25Vazhinji zhinji vakanga vachifamba naJesu, uye akatendeukira kwavari akati, 26“Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanunʼuna vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu. 27Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.

28“Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here? 29Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka, 30achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’

31“Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri? 32Kana asingagoni, achatuma nhume mumwe wacho achiri kure uye okumbira mashoko orugare kwaari. 33Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu.

34“Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko? 35Hauchabatsiri muvhu kana padutu romupfudze; unorasirwa kunze.

“Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

Copyright information for SnaBDSC